Maiguru vaigara nababamudiki, bofu. Zvino rimwe zuva maiguru ava vakabika hove. Pavaida kupakura vakaona kuti hove paizoshota yemunhu mumwe chete. Saka mumoyo mavo vakati rega ndibikire babamunini umwe muriwo. Sezvo vasingaoni, havazozivi kuti vamwe vadya nehove. Vari mushishi kuti vobikirei babamunini, vakaona dafi kwakuriuraya ndokubva vabikira babamunini vavo. Pakupakura mundiro dzevamwe, vakaisa hove asi mundiro yababamunini bofu vakaisa datya.
Babamunini pakudya vakaseva muto wedafi vachibva vakanda mukanwa ndokutsenga nokumedza. Zvinoita sokunge muto wedatya wakabva wanosvinudza maziso avo. Vakakwakuka nemufaro ndokudaidzira, ‘Maiguru ndavakuona.’ Zvikanzi, ‘Maoneiko,’ namaiguru. Babamunini ndokuti ‘Pandangodya muto uyu maziso angu avhurwa. Ndiri kutoona kuti vamwe vari kudya nehove ini ndine dafi. Ah! Maiguru maita basa marapa maziso angu.’
Vadikani paunoitirwa chakaipa ziva kuti chikomborerochaunenge uchipiwa naMwari. Maiguru vakaita chakaipa asi vakaropafadzisa babamunini. Kubanha dafi kuriyambutsa. Saka ndinoti kwamuri ivai nomufaro bedzi kana muchipinda mukuedzwa, muchiziva kuti miedzo iripo kuitira kuti mutsungirire panaShe wedu.
Dzidziso: Miedzo, utsinye, makomborero.
Tamuka aigara nambuya vake. Yakati yasvika nguva yokubika, iye ndokugadza poto yevanhu vaviri. Isati yamboti yadii, ‘gogogoi,’ pakasvika vaenzi vaviri. Mbuya vakamuti achiisa poto yavanhu vana, akaita saizvozvo. Pasina nguva pakasvika vamwe vanhu vatatu. Mbuya vakarairazve, mwanasikana akagadza poto yavanhu vanomwe.
Hapano sadza raibva, chakashamisa ndechokuti raingokwana vanhu vaviri bedzi. Chii chakanga chaitika? Musikana aingochinja poto chete asi asingawedzeri mvura!
Zvino hoyo mubvunzo kwauri mutendi, nhasi uno. Hausi kungoshandura dzikereke navafundisi uchipedza nyika here asi usiri kuwedzera kunamata kwako? Haisi nyaya yekuchinja poto chete asi zviri mukati mepoto?
Shanduko ngaitangire mumoyo mako!
Dzidzo: kushandisa pfungwa, kushandura unhu, kusandura maitiro.
Hwindi anoenda pachikoro nemwana wake, pachikoro chepadyo kunotsaga nzvimbo yenhanho yokutanga. Mukuru wechikoro anoti ‘Ndine urombo pakazara.’ Mwana anobva azevezera achiti ‘Dhedhi, vaudzei kuti ndinodzidza ndiri pakadoma.’
Shadhireki, Misheki naAbhedhinigo havana kunamata kuti moto usabatidzwe. Minamato yavo yaisava yokuti dambudziko risauye asi yokuti moto ngaubatidzwe, Mwari vagoonekwa mukati mawo. Ini hangu handinamati kuti ndisasangana namatambudziko muupenyu asi ndinoti ‘Pakuuya kwamatambudziko Tenzi onekwai.’
Dhanyeri haana kuita munamato wokuti shumba dzife kana kuti asakandwe mugomba asi akati Tenzi nemugomba imomo mune shumba simba renyu ngarionekwe.
Vanhu vangakukanda mumakomba, vangakurongera zvakaipa asi tina Tenzi anozviratidza. Vakakukanda ivavo ndivo vachakuburitsa muzita raJesu.
Pauro naSirasi, vasungwa, vari mujeri; havana kuita minamato yokuti majeri aondomoke asi vakangorumbidza Mwari pamwechete nekuimba nziyo.
Hapana dambudziko rine simba rekukuchemedza. Kuti bara riende mberi tiriga inofanira kudhonzerwa shure. Nyange muupenyu hwako, kuti utore nhanho nhatu dzekuenda mberi zvinogona kutora nhanho imwehete yokudzokera shure. Kunyange dombo rerekeni kuti riende mberi rinotanga radhonzerwa kumashure.
Kubva nhasi ziva kuti chese chichakudhonzera kumashure chinenge chichitokupa simba rekuenda mberi. Hapana chichakuwisira pasi. Uchazanzisa zvinangwa zvako. Uchakunda muupenyu. Uri mukundi. Zvinouya ngazviuye asi Tenzi achakukundisa mazviri zvose muzita raJesu.
Chidhakwa chakapinda mubhucha ndokuti tanga kutaura nejaya raivemo:
Chidhakwa: Huku imarii mfana?
Jaya: Tinoisa pachikero toona kuti imarii?
Chidhakwa: Ndiisire huku yose.
Jaya rakaenda seri kufiriji ndokuona inga kwasara huku imwechete yakazara. Akaitora ndokusvikoiisa pachikero:
Jaya: Yaita $6 mdhara.
Chidhakwa: Yaita diki, tsvaga zihombe pane dzese.
Jaya rakatora huku iya ndokudzokera nayo richinyepedzera kunge ririkunotora yakati kurei. Akadzoka nehuku imwecheteyo ndokuiisa pachikero:
Jaya: Zvaita Mdhara, huku iyi yaita $7,50.
Chidhakwa: Huku dzako idiki mfana. Zvisinei, chindipa dzose dziri mbiri
Chokwadi chichakusunungura!
Dzidziso: chokwadi, nhema, utsotsi, kuvimbika.
Mwana akatengerwa bhutsu dzakakurisa. Akanochema kuna baba vacho kuti bhutsu ihombe, asi vakati, ‘Usazvinetsa, unoisa matishu kana kuti mapepa kumberi.’ Mwana akaita saizvozvo zvikashanda. Pava paya mwana akatengera mudhara
wake mapata-pata akakurisa zvikanzi nababa, ‘Hauone here kuti handikwane mapata-pata aya?’ mwana ndokuti, ‘Musazvinetsa baba, munoisa matishu kana kuti mapepa kumberi.’
Dzimwe nguva pane nzira dzatinoshandisa tichibudirira, asi dzigotadza kushanda pane dzimwe nguva nezvimwe zviitiko.
Hadzizi shangu dzese dzinoiswa matishu kana mapepa. Ziva pokutsanya, pamwe panoda kuti uendese girosari kuna baba namai vako. Ziva pokunamata, kumwe kunetsana kunoda kuongorora matauriro aunoita, mapinduriro aunoita mumwe wako. Ziva maitiro okushandisa pakafanira.
Iva noungwaru hwokunzwisisa mhinduro inodiwa. Ziva chipanera chinomononora bhaudhi rauri kuda kwete kuti chipanera chebhasikoro ndicho chinokumura mabhaudhi epavhiri regonyeti!
Hama dzangu ndinamatireiwo. Ndiri kuenda kunovhiyiwa ziso nachiremba. Dambudziko rangu rakatanga mushure megore dzva. Ndiri kuti ndikatarisa muchikwama changu hapana chandirikuona.
Dzidziso: kufashura mari, nhamo, gore dzva.
Shamwarisikana: Hausati wambonyemwerera kubva zvatatanga kudanana; sei?
Mukomana: Handiti ndiwe wakati uri kuda ‘serious relationship.’
Dzidziso: muchato, mufaro, kutsamwa.
Mwari akandisikira chinangwa
Akandipa basa raasina kupa mumwe munhu.
Ndinechinangwa changu muupenyu.
Ndiri pakati pomubatanidzwa wavanhu.
Naizvozvo ndichavimba naMwari.
Kana ndiri muurwere, urwere hwangu huchaitira Mwari.
Kana ndiri parumananzombe, izvozvo zvichaitira Mwari.
Mwari haana kundisikira nhando.
Anoziva zvaakandisikira.
Ukapa munhu uta nomuseve womuti ‘Shudha!’ anokanuka agovhiringika achibvunza kuti ‘Ndipfuure chii?’ anodaro nokuti kana pasina chokushudha hazvibatsire, hapana chikonzero chokukanda miseve, kungatova kutambisa miseve.
Asi kana ukati kumunhu uri kuona shiri iyo ndinoda kuti uinange, uipfuure, panenge patova nomusiyano. Watomupa charenji yokuti aratidze unyanzvi hwake, ava nechinomuonesa kugona kwake kana kukundikana kwake. Ava kuziva pokupedzera simba nenguva.
Chinangwa chakakosha muupenyu hwomunhu. Chinoshandura maonero edu. Iwe neni takapiwa upenyu naizvozvo mubvunzo wokutanga ndowekuti ndoitei noupenyu uhu chinangwa changu ndechipi?
Pokupedzisira chakakoshesesa muupenyu hazvisi zvatakatenga asi zvatakavaka; hazvisi zvatiinazvo asi zvatakagoverana;
hakusi kuburirira kwedu asi kukosha kwedu;
hazvisi zvatakadzidza asi zvatakadzidzisa;
hausi unyanzvi hwedu asi unhu hwedu;
hakusi kuti ucharangarirwa nguva yakadii asi kuti nani uye nechikonzero chei. Pafunge.
Unogona kutadza kudzimurira zviitiko zvose zvoupenyu, asi unogona kudzimurira maonero namagamuchiriro aunozviita.
Iva zvauri utaure zvaunonzwa, nokuti vasina hanya havana basa, vane basa havana hanya nazvo
Kana uchinyunyuta kugona kwako
Rangarira kwawakabva.
Yeuka zvawakasangana nazvo.
Tondera hondo dzose dzawakakunda.
Funga kutya kose kwawakakurira.
Rangarira.
Zviri nyore kuda vanhu vari kure kure.
Zvakaoma dzimwe nhambo kuda vari padyo nesu.
Zviri nyore kubatsira vari mhiri,
zvinogozha dzimwe nguva kuva nemuvakidzani anosurikirwa.
Ndiri kuti zviri nyore kuda vari chinhambwe,
Asi zvakaoma kuda vari mudhuze.
Kristu anonyatsotarisira here kuti ndide
Muvakidzani uya ane guhwa rinoshura mare,
Ndide fusa rinondifemba kubasa mazuva ose,
Ndide hwindi uya anogara akati kwindi,
Ndide uya weruzha,
Ndide foromani wedzungu nehasha,
Ndide nhunzwatunzwa dzemuvakidzani dzisina kurairwa …?
Dai vari kure kuChaina kana kuIndiya
Zvaiva nyore kubatsira nokuda.
Asi vadzoka voita vepadyo, pasuwo rangu.
Asi, ivava ndovatinonzi naKristu tide.
Tinofanira kutanga kuda vari padyo.
Mudhuze munofanira kutangira rudo rwedu.
Asika hazvifanire kugumira ipapo.
Vazhinji vanopesanisa purezha nomufaro,
Asi pane musiyano mukuru pakati pazvo.
Ukasaziva musiyano wacho,
Unenge usati watanga kurarama.
Vakaraidza mufaro wechokwadi vanonyumwa vakaona purezha,
Nokuti nguva zhinji purezha mucherechedzo worufu rwomufaro.
Mufaro kupinda murudo noupenyu.
Mufaro kubvira nomoto worudo navari kumucheto munzira youpenyu.
Mufaro musanganiswa wokuseka nemisodzi.
Mufaro kugoverana navamwe.
Mufaro kunakidzwa muzvinhu zvidiki tisingangomirira zvikuru.
Mufaro kushandisa zvizere mukana wazvino,
Uchitapirirwa nezviripo.
Mufaro rudo rurikututumira muupenyu.
Asi chinoshamisa ndechekuti mufaro unogarisana nemarwadzo.
Gaya!
Unofanira kuziva kuti upenyu haururami nguva dzose. Hatiwani zvatinoda nguva dzose. Nyange zvichirwadza, zvaifanira kuitika zvakaitika. Aifanira kutisiya akatisiya. Chinokurasira kure kazhinji chinokudzosa paunofanira kunge uri.
Kuti uende mberi unofanira kutanga.
Hazvinei kuti uri ani.
Hazvinei kuti wakabvepi.
Hazvinei kuti wakamboitei.
Unogona kuva nani kupinda zvauri.
Mhingidzo hadzifanire kukudzivisa.
Ukatarisana nemudhuri, usaramwa.
Tsvaga nzira nzokuenda napamusoro,
Kupinda napamudhuri,
Kana kutenderera.
Usashamisika kana uchisangana namatambudziko.
Kana mhepo ikavhuvhutira pamuti, midzi inotatamuka yosimba.
Iwewo usave ndonda inokurirwa nekamhepo kose kanovhuvhuta.
Simba pamweya utirire.
Rudo harusi ngano harusi nyore.
Rudo kukurira mhingidzo.
Rudo kutarisana namatambudziko.
Rudo kuita chirwirangwe.
Rudo kubatirira usingaregedzi.
Rudo kavara kapfupi kari nyore kuperetera,
Asi rudo kavara kakaoma kutsanangura.
Rudo kanhu kakaoma kurarama usina.
Rudo ibasa rinoshandirwa.
Rudo inguva
Kuita mushandira pamwe awa roga roga,
mineti yoga yoga, sekondi yoga yoga.
Mutungamiri wechokwadi,
Ane chitendeseko chokumira oga.
Ane chivindi chokuita zvisungo zvakaoma.
Ane ngoni dzokuteerera zvido zvavamwe.
Haaronge kuva mutungamiri
Asi anova mutungamiri kuburikidza nemhando yezviito zvake
Uye nechiremera chourongwa hwake.
Utungamiri,
Kuva nesimba kwete kuvirima
Kupfava kwete kuva mutera
Kuva nechivindi kwete kushusha
Kufunga vamwe kwete kuva nenungo
Kuzvidukupisa, kwete kuva mutyutyu
Kudada kwete kuzvida
Kuva netsetswa kwete kuita upenzi.
Nhasi izuva rako rokuzvarwa
Naizvozvo zuva ranhasi
Ndinoda kuti uzive
Kuti uri munhu akakoshesa
Akabata nokukurudzira moyo yavakawanda
Kusanganisira ini.
Ndinoda kuti uzive zvekare
Kuti ndinokuyemura zvakadii.
Makorokoto ezuva rokuzvarwa.
Ukasatana kugumbuka
Ukagodorwa netunhu tuduku
Ukaona kunge uri kunangwa nguva dzose
Uchawedzera marwadzo ako
Uchawedzera kutambura kwako.
Kusimba kuziva utera
Kunaka kuziva kushata
Kusatya kuziva zvinotyisa
Kungwara kuziva kukoniwa
Kuda kuziva ruvengo
Kuseka kuziva kusuwa.
Handi zvaunoita,
Asi zvaunosiirira,
Zvinokutemesa musoro
Parinovira zuva.
Izwi nyoro raunokanganwa,
Tsamba yausina kunyora;
Chipo chausina kutumira,
Ndozvipoko zvinokushungurudza mauro.
Mabwe aungadai wasudurutsa
Munzira yomumwe;
Izwi rinovaka
Rawatadza kutaura nokushaya nguva.
Ndozvidhoma zvinokuonesa ndondo uvete.
Kupuruzira mumwe,
Kazwi kanyoro kakapfava;
Zvawashaira nguva kana kusafunga nezvazvo,
Nokuti wanga uine dzako nhamo.
Ndochikopo chinokudzokera urere.
Kana mwana akakudzwa nenyadziso
Anodzidza kusweeredza
Kana mwana akakudzwa neruvengo
Anodzidza kurwa
Kana mwana akakudzwa netsverudzo
Anodzidza kuzvipa mhosva.
Kana mwana akakudzwa nekurudziro
Anodzidza vavariro
Kana mwana akakudzwa nerumbidzo
Anodzidza kuvimba nezvaari
Kana mwana akakudzwa neruremekedzo
Anodzidza rukudzo
Kana mwana akakura netsigiro
Anodzidza chiremera
Kana mwana akakura nerusununguko
Anodzidza kuzvimirira
Mashoko angu
Ndeemunhu wandinoziva kuti anoita basa nomazvo
Mazwi angu aya
ndeemunhu wandinoziva kuti anoshanda nesimba
Dama rangu iri
Ndere munhu wandinoziva kuti anounza mufaro pose paari
Mashoko angu aya
Ndeemunhu wandinoziva kuti anokodzera kunzi makorokoto ezuva rokuzvarwa.
Makorokoto ezuva rokuzvarwa.
Ukadzidza kumirira kwenguva ndefu
Uchaona mubairo womwoyo murefu
Uchayemura mubairo wokumirira
Kana nguva yokuturira
Nokuti pane chose chakakosha
Kumirira kwakakosha
Resipi yomufaro:
Iva norupfave
Zvidukupise
Iva namadanha
Nyemwerera
Iva norudo
Shanya pawakwanisa
Usamira kudzidza
Tenda nguva dzose
Zvose zvichaita
Zvinhu zvichanaka
Wakakosha
Uri ngoda
Unodikika
Ino ndiyo nguva
Asi nguva ichapfuura
Unogona kuva zvaunyatsori
Zviri nani zviri mberi
Wakasimba
unozvigona
Kunakidzwa noupenyu
Uchiziva kuti hunokupa mukana wokuda, kushanda nokutamba.
Kugutsikana nezvauinazvo
Asi usingadekare kusvika wazvishandisa nomazvo.
Kusazvidza zvose zvapasi
Kunze kwezvenhema nenhando.
Kusatya manga-manga
Kunze kwezvinotyisa.
Kutungamirirwa nezvaunoyemura nokuda
Kwete zvaunozvonda.
Kusachiva zvemuvakidzani
Kunze kwerupfave rwake nounyoro hwake.
Kusazvidyamwoyo nezvevavengi vako
Asi kutondera shamwari dzako.
Iyi ndiyo micherechedzo
Yokuti uri mugwara
Munzira yorugare.
Tose tinofa.
Chinangwa hachisi chokurarama narini,
Asi kusiya nhaka inorarama nokusingaperi.
Kutsvaka budiriro
Usingashande nesimba
Kwakafanana nekuzama kukohwa
usina kudyara.
Zvicharwadza
Zvichatora nguva
Zvichada kuzviturira
Zvichada kuzvipira
Pachaita miedzo
Asi paunosvika pachinangwa
Uchaona kuti zvanga zvakakodzera.
Uri mubhuku aunoverenga
Uri mafirimu aunoona
Uri mimanzi yaunoteerera
Uri vanhu vaunoshamwaridzana navo
Uri zviroto zvaunorota
Uri hurukuro dzaunokurukura
Uri zviitiko zvakakukomberedza
Uri nyika yakakukomberedza
Zvikomberedze noruzivo
Zvikomberedze nezvinopa upenyu
Zvikomberedze nezvinopa chitarisiro
Zvikomberedze nounaku
Upfumi hukuru utano
Muraro ibasa romauri
Simba harina kunaka kana mwene waro asina unaku.
Zita rakanaka rinopinda upfumi.
Hapana bakatwa ringarivhiya.
Hapana bote ringarisungirira.
Tanga warongeka, pasaita manyongori.
Kurongeka hakusi kushaya chinongo.
Kurongeka kuita zvinhu nomazvo
Kurongeka kunodzora kubandika nokupararira.
Kurongeka kunosevha nguva nemari
Kurongeka kunonatsurudza mhando youpenyu.
Mumwe munhu anditumira nguva yepamhepo ‘airtime’ ye $1 ndokubva awana basa raanga achitsvaga kwemakore mashanu. Mumwewo anditumira nguva yepamhepo ye$2 akaporomotwa kubasa. Mumwe zvekare anditumira ye$10 akawana vhiza rokuenda kuAmerika. Zvishamiso zvichiri kutoitika kutaura kuno. Edza rombo rako. Tenga nguva yapamhepo.
Kiti yakanga yakatendeka zvokuti mudzimai uyu aigona kuisiira mwana wake igosara ichimubata zvakanaka. Nguva yose paaidzoka aiwana mwana akadzipfodora, achiridza ngonono kiti yakamutarira norupfave.
Rimwe zuva pakaita chiitiko chinosiririra. Mudzimai uya akasiya mwana wake mumaoko mekiti yakatendeka samazuva ose ndokuenda kumagirosa. Paakadzoka akaona zvinotyisa, zvakanga zvisingatarisiki. Jasi remwana rakanga riri koko; manapukeni ake nehanzu dzake zvakanga zvabvarurwa bvarurwa zvichijuja ropa. Panositandarira mwana pakanga pazere ropa. Mudzimai akavhunduka ndokutanga kutsvaga mwana ari pakati pokuyuwira.
Ari pakati pokutsvaga kiti yakanyuka kubva pasi pomubhedha. Yakanga izere ropa ichinanzvira nanzvira sokunge yakanga ichangopedza kudya machikichori. Mudzimai akaviruka nehasha nokuti mupfungwa dzake mwana akanga atodyiwa nekiti. Akatora danda ndokuponda kiti kusvika yafa. Akaenderera mberi nokutsvaga mwana. Akashamiswa nezvaakaona. Mwana akanga aripo pasi pomupedha, asi parutivi pake paiva nezinyoka rakati rabada, rakanga rabvarurwa-bvarurwa. Akabva aziva kuti paita hondo inotyisa pakati penyoka nekiti kusvika nyoka yakurirwa, mwana akaponeswa. Asi nguva yakanga yamutiza. Nokuda kwehasha, nokuda kwekushaya mwoyo murefu akangaauraya kiti yakatendeka.
Chidzidzo: Kangani katinokurumbidza kupa vamwe mhosva tovabvarura bvarura namashoko edu anogodora nezviito zvedu tisingatore nguva yokunyatsoongorora zvaitika? Urwu ndorutadzo rwokufungira. Kufungira zvinhu tisingatoredambudziko rokutsvaga chokwadi chezvaitika. Kushaya mwoyo murefu kunotikonzera kuita mamisteki akawanda muupenyu. Ndiani waungangodaro uri kupa mhosva yaasina nhasi uno? Usafungira vamwe zvisizvo. Hazvina kunaka kutongera vamwe. Tora nguva uchitsvaga chokwadi.
Muupenyu hwako ukaona uchiita chinhu usingatarisane nemacharenji funga kaviri.
Munhandare yebhora ane bhora ndiye anomakwa, hakuna sabhu inomakwa iri pabhenji.
Muti une mango ndiwo unokandwa matombo navana. Muupenyu ukaona vanhu vakuita godo nekutaura taura chibva watoziva kuti wabata panorwadza,
Vamwe vanogodoka nemuchato wako, mari yako kana budiriro yemumhuri menyu. Vanofara vachikuona uchichera mbeva ende vanoita kutokunongedzera panetumwena twembeva twese asi kana upenyu husvinu-svinu husina matambudziko hunongova mutserendende chete.
Kana uchida mari itaka sitiresi yemari kuti mari ndoiwanepi, ungagoda upenyu husina sitiresi chete sei iwe uchiida mari.
Chiri kuita kuti uite sitiresi yemurume kana mukadzi wako inhau yekuti unomuda dai usingamude usina sitiresi.
Ukaona parikukuitisa sitiresi ipapo ndipo pane goridhe.
Iti ‘’Mwari handikusiyei kusvika mandiropafadza.’
Rarama uchiziva kuti mitoro yedu yese tinoiisa kuna Mwari.
Kunamata hazvireve kuti hauchapindi mumatambu dziko asi zvinoreva kuti simba rekukunda matambudziko wava naro.
Pakaita masaisai Jona achienda kuNinivha, varidzi vebhoti vakatanga kurasa zvinhu zvavo kuti bhoti ireruke asi masaisai haana kumira. Kurasa kwokuburutsa Jona vakarasa zvinhu.
Vamwe tanzwa nekurasirira huku, mbudzi, mbiya, machira, mazai chero mombe nekuti takaudzwa kunzi ndiko kuti munyama upere. Warasa hako asi warasa zvinhu zvisizvo. Unofanira kurasa uipi wogamuchira Jesu somununuri wako.
Danga rinopera iri, huku yechibhoi dzinopera. Bikai tidye, regai kurasa. Machira sonesai hembe tipfeke. Mazai furayai tiise pachingwa.
Nyaya yako haidi zvese izvi asi inoda Jesu. Kandai Jona mumvura kwete zvimwe zvese izvo. Rasai hutsvina sisi kanabhudhi muroorwe kana kuroora. Rasai hunyope mukoma mubudirire. Rasai rusaruro amai kana baba mhuri ibatane. Rasai kunamata maporofita enhema Afurika ubudirire nokupona. Kurambana haisi anza, asi rasai kudhererana motanga kuremekedzana somurume nomukadzi. Tendeuka pane mabasa erima munyama wako upere kwete kupedza pfuma yawakawana watambura.
Hanzi aChihera vakaroorwa mushe-mushe. Saka paiitwa majuti ekuenda kuchigayo nengoro. Munhu anejuti aibva angotora chibage chemusha wose opedza hafu yezuva ari kutaundi. Saka achihera pakanga vakamirira chibage chichigaiwa, vakatora ngoro yaatezvara ndokuenda nayo panemurume anoita zvekupenda zvikanzi, ‘Mukuwasha ndinokumbirawo mundipendere ngoro yangu. Murume uye akati, ‘Ndinonyora kuti chii?’ Zvikanzi naChihera, ‘Nyorai kuti Chihera “special”.’
Atezvara vakapererwa vachiona ngoro yaakuuya yakanyorwa. Usadherere Chihera!
Matatya mashanu akawira mugomba. Ari pakati pokunetseka kubuda mugomba mwe matatya akawanda akasvikokomberedza gomba.Matatya aya akatanga kudaidzira achiti,’Gomba iri ranyanyodzika, hapabudiki apa. Musatomboedza zvenyu. Garai imomo. Musatambise nguva. Matofiramo imi.’
4 of the frogs stopped trying but one little frog tried harder and harder and to everyone’s amazement it jumped out. When this little frog was out it said to the frogs which were outside the pit “thank you for encouraging me”.
Matatya mana akaora mwoyo. Haanakuramba achiedza nesimba kubuda mugomba. Asichakashamisa matatya aive kunze ndechekuti rimwechete rakajamba rikabuda. Rabuda rakanyora pasi richiti kumatatya aive panze, ‘Ndinotendanekurudziro yenyu.’ Vaya vakazotarisa ndokuona kuti datya iri imatsi, harinzwi. Harina kunzwa zvavaisheedzera. Mamwe akafira mugomba iro rakapona.
Bhatimeyo akavhara nzeve dzake kune zvaitaurwa navanhu. Dzimwe nguvamuupenyu unofanira kuvhara nzeve kumashoko akaipa anotaurwa navanhu.
Zvaiva nyore kuvanhu kuti vakanyudze Bhatimeyo nokuti vaisaziva zvazvinoreva kuva bofu. Vaisaziva zvazvinoreva kurarama parutivi pomugwagwa. Dzimwe nguva havasi vose vanonzwisisa dambudziko rako.
Bhatimeyo nedatya varikutidzidzisa kuti usatendera vanhu vasinganzwisisa matambudziko ako kukukanyudza. Iwe ndiwe unoziva zvawakatarisana nazvo, macharenji aurikusangana nawo. Ndiwe unozivadambudziko rako.
Usakanyudzwa nevane babereki vose vari vaviri nokuti dzimwe nguva havanzwisisi chinonzi kuva nherera.
Usakanyudzwa nevachine mudikanwi wavo nokuti dzimwe nguva havanzwisisi chinonzi kuva shirikadzi kana kurambwa kana kurambana.
Usakanyudzwa nevazinganzwisisi chinonzi kuva mvana.
Usakanyudzwa nevane madzimai kana varume vakatendeka nekuti dzimwe nguva havanzwisisi chinonzi kuchitwa.
Usakanyudzwa navasina vane vana nokuti dzimwe nguva havanzwisisi chinonzi kushaya mbereko.
Usakanyudzwa navase vana vanoteerera nokuti dzimwe nguva havanzwisisi chinonzi kurera nhunzvatunzva.
Usakanyudzwa. Iwe ndiwe uri mudambudziko iri. Iwe ndiwe unonzwisisa dambudziko iri. Daidzira kuna Jesu kusvika akudzwa akudaidza.
Ndinosarudza,
Kusarudza zvandinoda muupenyu pane kurarama nje;
Kushandura zvinoshandurika pane kugarodemba;
Kuva nechido nezvandinoita kwete kundenderedzwa;
Kuzvikoshesa kwete kushandiswa;
Kuva neshungu yokubudirira kwete kuita mukundo;
Kuvimba nezvandiri, kwete kuzvisvora;
Kuteerera izwi romukati, kwete mazwi ose ose.
Kurira zvaunokwanisa
Usashaiswa hope nezvausingakwanise kukurira
Nokuti pakupera kwezuva haukwanise kuzvikurira.
Mira kuzvivenga nokuda kwezvausiri
Zvide nokuda kwezvauri
Zvamavakuvamba Mwaka unoera dai mawana chirevo chizere choMwaka woKutsanya, kuburikidza nokusiya zvakaipa zveshure muchivavarira ramangwana rizere nechitarisiro.
Kutsanya kune mutsauko:
Kazhinji kutsanya kunechekuita nokurega chokudya kana zvinhu zvakaita sechivhitivhiti. Asi pane dzimwe nzira dzakachenjera dzokugamuchira nadzo Kristu. Hedzino dzimwe nzira dzacho dzamunogona kutevedzera:
- Tsanya hasha noruvengo. Ipa mhuri yako rudo rwakapetwa zuva roga roga.
- Tsanya kutongera vamwe. Usati wapa vamwe mhosva rangarira kuregererwa kwatinogaroitwa naJesu.
- Tsanya kuora mwoyo. Batirira pavimbiso yaJesu yokuti ane urongwa hwakajeka noupenyu hwako.
- Tsanya kunyunyuta. Ukaona woda kunyunyuta tsinzinya urangarira nguva dzomufaro dzawakapiwa naJesu.
- Tsanya godo nouturu. Edza kuregerera vose vakakutadzira.
- Tsanya kupfachura mari. Edza kutapudza mari yaunoshandisa kakapetwa kakumi wopa yaunenge wangengeta kuvarombo.
Ndinokushuvirai rugare, rudo nomufaro munguva ino yoMwaka woKutsanya.
Vanhu vanoshanduka
Kutadza kunowanikwa
Kukanganisa kuri muvanhu
Asi upenyu hunoenderera mberi.
Zviri nani kusiyana nezvimwe
Zviri nani kuvamba zvitsva
Pane kuzviisa mujeri rezvakapfuura
Kuzvisungirira nezvisachasanduka
Makajeka papfunga
Makarongeka pamafungiro
Munotaura zvakati twasa.
Handingati upenyu hwenyu hwaive huzere pfumvu
Nyange nedzenyu mhingidzo
Upenyu hwenyu makaedza sokugona kwenyu
Makava nenguva youtano nomufaro.
Dai marambopiwa simba noutano.
Pachivanhu vanoti masvika pamudya ndigere
Ndinoti masvika pakudya muchishanda!
Muchishandira Mwari wenyu.
Itai kuti makore ari mberi ave mufaro woga.
Makorokoto ezuva rokuzvarwa!
Hazvinei kuti upenyu hwakatikanda kunzvimbo dzakasiyana
Hazvinei kuti pava namakore tisati taonana
Ndangariro dzoushamwari hwedu dzakadzika
Ndangariro idzi dzakanyorwa mukati kati memwoyo wangu
Wakakosha kwandiri
Makorokoto ezuva rokuzvarwa
Ndanga ndichisekerera
Kusekerera nokuda kwendangariro
Ndangaariro dzenyemwerero
Nyemwerero yako
Yako tichikura kumaraini
KUmaraini kare
Kare tirati tapesaniswa
Asi zvakadaro handiregi kuti
Makorokoto ezuva rokuzvarwa sahwira mukuru
Hanzvadzi ndinokufarira zvisingabviri
Ndiri kungoda kuti uzive
Kuti unoreva zvakadzama kwandiri
Uyo anomwoyo wakafanana nowako chete
Ndiye anoumba ushamwari,asina humbimbindoga
Panogona kuva pasina zvizhinji zvatakagoverana
Panogona kuva pasina nguva zhinji yatakava tose
Asi kuvapo kwako muupenyu hwangu
Kunoita kuti ndizive zvakadzama
Zvokuti rudo, hanya hazvina kure, hazvina muganhu
Nyange tiri kure nakure, nyange paine gungwa pakaati pedu
Ndinofara kuva newe muupenyu hwangu
Ndinofara kuva nehanzvadzi yakaita sewe
Makorokoto ezuva rokuzvarwa
Kusendeka kana kupaka bhasikoro mugaraji hakufe kwariita motokari. Kugara muofisi yabhosi wako asipo hakukuite bhosi. Hazvinei kuti wapaka motokari yako panyandare yendege nguva yakareba sei, hazviishandure kuva ndege. Ndozvimwechete nokuenda kuchechi kwamakore akawanda. Izvozvo hazvife zvakakuita Mukristu. Chinokuita muKrisu kugamuchira Kristu wacho nokushandura unhu hwakaipa hwakare. Usangova munhu anoenda kuchechi asi iva muKristu akatendeuka zvamazvirokwazvo.1 Jowani 2v 15-17
Hapana kasango kasina basa. Dzimwe nguva ukatenderera pedyo neguta unoona kamwe kasango kaunofunga kuti ungarimira chibage chako uchiti hakana basa. Ngatiti unobva wobva waenda kunoona vekanzuru. Uchingosvika kukanzuru uchivaudza nyaya yekanzvimbo kaya kasina basa kawaida kurimira chibage chako. Unoona votora bepa mushure mechinguva, unonzwa votaura kuti kanzvimbo ikako kauri kutaura pane urongwa hwokuvaka chikoro. Vanhu vakakutarisa vanoona kunge urikasango kasina basa, asi kanzuru yekudenga ine mapepa akakwana anotaridza kuti denga rine urongwa hwakanaka newe. Rega vanomhanya mhanya vachifunga kuti vanogona kuita madiro newe vambomhanya asi pauri pane basa guru. Uri munhu mukuru iwe.
Hurungudo dzakanhongwa naDhavhiti zvimwe mumwe musi dzakatombopotsa njiva. Denga richingoti usazvinetsa urongwa hwedu huri kuti muchauraya hofori. Zvimwe Dhavhiti akamborwadziwa nekusara vamwe vachienda kuhondo; semasariro awakaita vamwe vachiita zvinhu; semasariro akaita nzvimbo yauri kupoterera, isina kuvakwa. Ndiani aimboziva kuti Rute, chirikadzi ingaroorwa naBhowazi. Ndiani aimboziva kuti vemapere mbudzi vangaita maungira vakananga kumisasa yevaSiriya. Ndiani aimbotenda kuti mbuya Sara vangaita mwana. Iwe unazvo zvakanaka zviri muurongwa hwaMwari. Urikasango kane basa iwe.
‘Mbavha iyooo! Mbavhaaaa!!!!’ Mbavha inotizira mumochari yopinda musherefu yayowo sechitunha. Mapurisa anopinda achitsvaga mbavha achitarisa mafesi evafi. Vanoona musikana akanaka voti, ‘Umm dai waiva mupenyu ndaipinda machena.’ Mbavha inobatwa nesetswa yoti, ‘Ofisa musatisetse takafa kudai, mapurisa akabuda riribara mbavha kumashure ichidaidzira, mira ndikupe nhamba dzepamba yake yekudenga kwaave!’
Vakomana vaviri vakaba mabhegi maviri emaorenji pamba pemuvakidzani ndokuenda kunogovana nepakati.
Mumwe wavo akapa zano rokuti vaende kumakuva epadyo. Pavainguno svetukira seri kweghedhi kuti vapinde mumarinda, maorenji maviri akadonha kubva mubhegi asi havana kuita hanya dzokumira kuti vanhonge sezvo vaive neakavakwanira mubhegi.
Mushure mechinguvana, chidhakwa chaipfuura nepamakuva chichibva kubhawa chakanzwa mazwi avanhu vaviri achiti, ‘Bodzi kwandiri bodzi kwauri. Bodzi kwandiri bodzi kwauri.’
Akaita sobha ndokumhanyira pachechi yaiva padyo namakuva akanoti kumupriste, ‘Baba uyai muone shura. Satani naMwari vari kugoverana zvitunha kumakuva!’
Vakateedzana vonanga kumakuva. Vava pagedhi mazwi aya akaenderera: ‘Bodzi kwandiri bodzi kwauri. Bodzi rangu bodzi kwauri!’ Pakarepo mwazwi aya akati ziro ndokuzoti: ‘Ko ari pageghi?’ Pakamhanyiwa zvisina mukare akamboona navarume vaiva pagedhi.
Gondo harirwi nenyoka pasi. Rinosimudza nyoka roenda nayo mudenga richichinja pokurwira. Mudenga nyoka inovhiringika, haina simba. Haibatsire chinhu, inorukutika, inodherereka zvisingaitike kana ichinge iri pasi. Kana iri pasi inenge iine simba nouchenjeri uye inotyisa.
Endesa hondo yako munhandare yomweya. Ukadaro Mwari anobva aita yondo iyi hondo yake. Usarwe nomuvengi panzvimbo yaajaira. Shandura pokurwira sezvinoita gondo woita kuti Mwari ave uto rako. Ukadaro unechokwadi chokukunda.
Usati wabika bhinzi unotanga wadzisarudza. Bhinzi dzose dzinenge dzakuora kana kushata kazhinji unodzirasira seri kwemba. Bhinzi dzose dzakanaka unodzibika wodya uchifara zvopera zvakadaro. Asi kana kwanaya, bhinzi dziya dzanga dzichinzi dzakaora nokushata dzakarasirwa seri kwemba ndodzinomera dzichikura nokuita mazhizha namaruva. Nenguva isipi dzinobereka dzimwe bhinzi dzakawanda dzinounza maguta.
Munhu mumwechete iyeye akambodzitongera nokudzirasa ndiye anomhanya kunotanha mazhizha nebhinzi kuitira kudya kwakanaka. Unogona kutongerwa nokushorwa nokuraswa asi vanhu vamwechete vanokushora vachatendeukira kwauri vachida rubatsiro. Nguva yako ichasvika, Mwari vachakukudza. Uchaita zvinhu zvikuru.
Ndarwara ndiri kuno kuchipatara. Manesi anga aronga kuti ndipihwe mubhedha saka ndazovati mubhedha ndinawo ndipei zvenyu wadhiropu. Saka zvinenge zvaita. Ndiri kunzwa vachingotaura kuti wadhi, wadhi kudii woye. Ndinofunga kuti iwadhiropu yavari kutaura nezvayo. Mozonditumirawo ngoro yokuitakurisa.
Nekuuya kwakaita tekinoroji zvinhu zvichachinja. Manje manje panenge pasisina chikonzero chokuungana munhu achiroorwa. Vanhu vanongogadzira boka/grupu paapu ‘Kuroorwa kwachipo.’ Adhimini Tezvara nemunyai. Panenge pachingorohwa maEcocash emutengapamwe. Matekenyandebvu $100, mukasha ari kunyora (typing) …‘Yawandisa ndine $10.’ Tezvara vari kunyora … kkkkkk ita siriyasi. Ambuya varamwa, ‘Ambuya left.’
Dzimba dzakaoma veduwee. Ndakazviwanira zvangu bhebhi rangu raive rakatsiga ndikati regai ndiroore. Takabva taita kamwana kedu. Sezvo mari yainetsa mukadzi akati otsvaga basa tibatsirane. Pasina nguva ndakanzwa mukadzi oti awana basa pane imwe resitorendi. Zvakadaro takabva tatama kubva pamba yevabereki tave kunoroja kweduwo sezvo mari yakanga yave kubatana. Dambudziko rakazouya pandakati regai ndirovere chipikiri chekuisa furemu remufananidzo. Aaa ndakatambura nekuti madziro ainge akaoma iwayo . Ndipo pandakaona kuti dzimba dzakaoma. Muchinyanya kuda nyaya kutovhura nzeve. Tsvatu nhasi handina nyaya ini.
Tora dadya woisa mupoto izere mvura wogadzika pamoto. Mvura painenge ichiwedzera kuppisa, dadya rinotangawo kudziirwa. Asi rinovarairwa kusvika mvura yava kubhoira. Parinozoda kuti risvetukire panze zvinenge zvisisachaita. Rinenge risisina simba. Datya rinosvika pakufa. Chii chauraya datya. Pafunge! Vazhinji vedu tingati chauraya datya imvura iri kubhoira. Asi chokwadi ndechekuti datya rakavarairwa nemvura yaidziya. Pane vanhu vanounza madziya akasiyana-siyana nezvinhu zivnounza madziya. Asi tinofanira kuchengera kuziva pokusvetuka tichifambira mberi tisati tatsva. Pane dzimwe nguva dzatinofanira kuita zvinofanira kuitwa, tikabvumira vanhu kuti shandisa panyama, pamweya, paupfumi nepapfungwa tinogona kusvika pakutadza kuzvisunungura. Unofanira kuziva pokusvetuka. Svetuka pachine nguva.
Ndakatenga hangu furitizi kune kamwe kamupfana kaitengesa mafuriziti ari mubhegi repurasitiki pamusika weMbare. Zvino ndaive ne$2 yakabatana, kakati ‘Mudhara madii kungotora ese nokuti kwasa 20.’ Ndikati mayazi ndirikuda.’ Kakati hoo, ‘Chindibatirawo mafuriziti angu aya ndimhanye kuno tsvaga makoini.’ Ndikati ‘Pakanaka.’ Kakabva katsakatika nemumabhazi hakana kuzodzoka. Ndikaona kuti inga ndatotengeserwa mafuriziti 20 zveginya.
Madhongi maviri aifamba muJerusarema rimwe parakati kune rimwe racho, ‘Nezuro chaiye ndakanga ndakatakura Jesu vanhu vachiimba vachidaidzira vachindikandira micheka yokutsika pakufamba, asi nhasi hapana kana andiziva.’ Rimwe rakapindura richiti, ‘Ndozvazviri shamwari, pasina Jesu hapana zvatiri.’
BE A POT THAT COOK FOR A TEAM
Ndoga ndinotaura asi pamwechete tinokurukura
Ndoga ndinofara asi pamwechete tinopemberera
Ndoga ndinonyemwerera asi pamwechete tinoseka
Matarenda anokunda mitambo asi nhimbe inpoa ushaha
Uhu ndounaku hwoukama
Ungaedza zvose tisina vanhu asi
Unogona kuva mudzidzisi kana paine vadzidzi
Unogona kuva mutungamiri kana paine vatungamirwi
Unogona kuva mutengesi kana paine vatengi
Yemura vanhu vakakukomberedza uchengetedze shamwari dzakanaka
Usabata vanhu sevasina kukosha nyange vachiita sevasina simba
Mwari chete ndiye anomira oga, isu tinomira navamwe
Reza inocheka asi haicheki muti
Demo rakapinda asi harigeri ndebvu
Munhu nemunhu ane zvaakakoshera maererano nemuzvarirwo wake
Usatarisira munhu pasi kusatoti uchitarisa shangu dzake